Mark 3

Jesu anoporesa munhu waiva noruoko rwakawonyana

1Zvino wakapindazve musinagoge, zvino kwakange kune munhuko wakange ane ruoko rwakawonyana. 2Zvino vakamutarisisa kuona kana angamuporesa nesabata, kuti vamupomere. 3Zvino akati kumunhu waiva neruoko rwakawonyana: Simuka uende pakati. 4Akati kwavari: Zviri pamutemo here kuita zvakanaka nemasabata, kana kuita zvakaipa? Kuponesa upenyu, kana kuuraya? Asi vakanyarara. 5Zvino wakati aringa-ringa kwavari, nekutsamwa, ane shungu nekuda kwekuoma kwemoyo wavo, akati kumunhu: Tandavadza ruoko rwako, ndokutandavadza, ruoko rwake ndokuporeswa rwukagwinya serumwe. 6VaFarisi vakabuda pakarepo vakarangana neVaHerodhe vachimupikisa kuti vangamuparadza sei.

Jesu anoporesa vazhinji

7Zvino Jesu akabva nevadzidzi vake vakaenda kugungwa; chaunga chikuru chikamutevera chichibva kuGarirea, nekuJudhiya, 8nekuJerusarema, nekuIdhumeya, nemhiri kwaJoridhani, nevakapoteredza Tire neSidhoni, chaunga chikuru, vakati vanzwa makuriro ezvinhu zvaanoita vakauya kwaari. 9Akataura kuvadzidzi vake kuti igwa diki rimugarire nekuda kwechaunga, kuti varege kumutsikirira. 10Nokuti wakange aporesa vazhinji zvekuti vaiwira pamusoro pake kuti vamubate vese vakange vane zvirwere. 11Nemweya yetsvina, payakamuona yakawira pasi pamberi pake, ikadanidzira ichiti: Imwi muri Mwanakomana waMwari. 12Akairairisa zvikuru kuti irege kumubudisa pachena.

Jesu anodana vadzidzi vake

13Zvino wakakwira mugomo, akadanira kwaari vaakange achida iye; vakauya kwaari. 14Akagadza gumi nevaviri, kuti vave naye, nokuti avatume kunoparidza, 15uye vave nesimba rekuporesa zvirwere nekubudisa madhimoni. 16NaSimoni akamutumidza zita rinonzi Petro, 17naJakobho waZebhedhi, naJohwani munin'ina waJakobho; akavatumidza mazita anonzi Bowanegesi, ndokuti, vanakomana vekutinhira; 18naAndiriya, naFiripi, naBhatoromiyo, naMatewu, naTomasi, naJakobho waArifiyosi, naTadhiyo, naSimoni muKenani, 19naJudhasi Isikariyoti, iye wakamutengesawo. Ndokubva vapinda mumba.

Kumhura Mweya Mutsvene

20Chaunga chikaunganazve zvekuti vakange vasingagoni kunyange kudya chingwa. 21Vekwake vakati vachizvinzwa vakabuda kunomubata; nokuti vakati: Anopenga. 22Nevanyori vakaburuka vachibva kuJerusarema vakati: Ana Bheerizebhuri, uye kuti: Anobudisa madhimoni nemutungamiriri wemadhimoni. 23Zvino akavadanira kwaari, akati kwavari nemifananidzo: Satani angagona kubudisa Satani sei? 24Kana ushe hwakapesana huchizvipikisa, ushe uhwo hahungagoni kumira. 25Kana imba yakapesana ichizvipikisa, imba iyo haigoni kumira. 26Uye kana Satani achizvimukira, akapesana, haangagoni kumira, asi anoguma. 27Hakuna angagona kupinda mumba mechikakarara, akapamba nhumbi dzacho, kunze kwekuti atanga kusunga chikakarara, ndokuzopamba imba yacho.

28Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Zvivi zvese zvichakanganwirwa kuvanakomana vevanhu, nekunyomba kwese kwavanonyomba nako; 29asi ani nani anonyomba achipikisa Mweya Mutsvene haana kanganwiro kusvikira narinhi asi ane mhosva yekutongwa kusingaperi. 30Nokuti vakati: Ane mweya wetsvina.

Ukama naJesu

31Zvino kwakauya vanin'ina namai vake, vakamira kunze, vakatumira nhume kwaari vachimudana. 32Chaunga chakange chigere chakamukomba; vakati kwaari: Tarirai, mai venyu nevanin'ina venyu vari panze vanokutsvakai. 33Akavapindura achiti: Mai vangu ndiani kana vanin'ina vangu? 34Zvino akaringa-ringa kupoteredza avo vakange vagere vakamukomba akati: Tarirai mai vangu nevanin'ina vangu. 35Nokuti ani nani anoita kuda kwaMwari, ndiye munin'ina wangu nehanzvadzi yangu namai.

Copyright information for Shona